Kudanana nemuvakidzani ane mhuri  kwave kudhurira mukadzi wemuHarare sezvo muchato wake woparara mushure mekunge murume wake amuburitsa pachena pa “mabiko ebhavhadhe rake hama dzose dziripo.

Martha Mashizha nguva pfupi yadarika akarongedzeswa zvinhu nemurume wake Tafadzwa Alimoso, mutyairi wemarori, mushure mekufumurwa kubiridzira nemuvakidzani wavo, Danmore Matika.

Mashizha akamanikidzwa kusiya imba yake kuGlen View asina zvinhu zvake uye hama dzake dzakanzi dzakatevera nenyadzi.

Sokutaurwa kwazvo zvinonzi mukadzi uyu aitove nevamwe varume vana vaaifambidzana navo.