Muimbi ane mukurumbira – Freddy “Kapfupi” Manjalima, uyo anove zvakare shasha yemitambo yemadhirama – anoti ari kurwara nemudumbu umo mamutambudza kwenguva yakareba.

Kwayedza nemusi weChipiri svondo rino yakashanyira Kapfupi kumba kwake kuEpworth apo yakawana asipo ndokumuridzira nhare akabuda pachena kuti ari kudzimbikana.