Mumwe murume ane makore makumi mashanu nemanomwe wekuBinga akarova nekuuraya sekuru vake vane makore makumi matanhatu nemaviri nedemo mushure mekunge vaviri ava vatadza kunzwisisana pamusoro pekutengeswa kwechikara (beast) chasekuru ava.

Sekureva kwemapurisa, Simati Mefias Mudimba anobva kwaSabhuku Pashu akafira ipapo nekukuvara kwaakaita mushure mekurohwa nemuzukuru wake William Sibanga Muzamba.

Zvinonzi VaMudimba vakayambira VaMuzamba kuti vasatengese mhuka yavo asi kuti vaiuraire nyama.

Izvi zvisinei hazvina kuzodzika zvakanaka naMuzamba uyo anonzi aive akazvishongedza nedemo raakazohandisa kurova Mudimba kaviri mumusoro zvichikonzera kufa kwake ipapo