Joel Mphela aive nenyota yedoro.
Asi mukadzi wake Ntombifuthi Mabala (38) akaramba kumupa mari.

Hondo inonzi yakatanga, izvo zvakazoita kuti vaviri ava vafe mumoto muJeffesville muAtteridgeville, Tshwane, neMugovera, 1 Chivabvu.

Sekureva kwehama yaNtombifuthi Jackson Zulu, zvinonzi Joel akaita chisimba uye akatuka Ntombifuthi.

“Akakiya gedhi nemusuwo. Akadira parafini mumba umu,nerombo rakanaka vana vavo vakakwanisa kutiza vasina kukuvara,” akadaro Jackson. Joel aitengesa paraffin senzira yokurarama nayo.

“Tinofungidzira kuti vanga vane nyaya dzavo, ndiko kutaurawo kwevamwe.