Mumwe murume akaiswa mutirongo mushure mekunge atsimbirira mukadzi wake akange otadza kufema panguva yaaidashura sinhi zvakaomarara, mukadzi uyu akabva afa sezvo murume akakotsira ari pamusoro pake.

Warren Coulton (52), akafukidza muviri waClaire Wright ane makore makumi matatu nemasere neduvet ndokuenda nemota, Mold Crown Court yakanzwa.

Coulton, weBuck Lane, muBaildon, Bradford, akaiswa mutirongo kwemakore matanhatu mushure mekunge awanikwa aine mhosva yekuuraya mukadzi uyu.