Mutyairi asina marezinesi nezuro akaonekwa mudare akatarisana nemhosva yekubondera mumotokari yeHurumende mumugwagwa weBulawayo muHarare.

Tatenda Mupariwa (26) akamira  kuMbare Magistrates Court achipomerwa mhosva yekutyaira zvisina tsarukano nekutyaira asina rezinesi.

Haana kubvunzwa kuti areverere mhosva yaari kupomerwa paakamira pamberi pemutongi wedare reMbare, VaNyasha Vitorini, avo vakati adzoke musi wa24 kumutongo wake.