Murume wekuChitungwiza anodaidzwa nezita rekuti ‘Mudhara Jesu’ anoti ari kukwanisa kuriritira mhuri yake yemadzimai matatu nevana 20 kubva mukutengesa matayi akasakara.
VaGilbert Makombe vanoti kunyangwe zvavo vasingaende kuchechi, mabasa avo ndiwo akavaita kuti vapihwe zita remadunhurirwa rekuti ‘Mudhara Jesu’.