Godfrey Chagurika akamira pamberi paChief Makuni’s Community Court kuti vadambure muchato wake nemukadzi wake Tabeth Musina.

Chagurika akataura kuti akange asati amboitirwa mwana  nemukadzi wake  mumakore 20 apfuura ndokusaka akazotora mumwe mukadzi.

Murume uyu akafunga zvekudanana pachivande naMiriam Chiwota uyo aive nemukomana wake  anogara kuBindura.

Ndakaita izvozvo ndichida kuratidza kuti  ndinobereka anodaro Chagurika.

“papo pfungwa yangu yakabudirira uye nhasi mudzimai wangu  anorwadziwa  nekuda kwegodo.”

Tabeth akati haana kusununguka kuve mubarika.

Pakupedzisira Sabhuku Makuni vakaita chinzvimbo chavo vaka kumbira Tabeth kupa zvikonzero zvishanu zvine simba zvekutsigira danho rake rekurambana.

Mushure mekupa zvikonzero zvacho Sabhuku vakavapa nguva yemazuva 20 kuti vagovane pfuma yavo zvakaenzana vobva vasiyana zvavo.