Nyaya yemwana wekuChinhoyi akashaikwa yaita mutsindo mushure mekunge vanhu vatatu vanoti vanoziva kwaive nemwana vaenda kuna amai vake mushure mekunge nyaya iyi yaburitswa paZBC.
Mwana ane mwedzi miviri ekuberekwa uyo akashaikwa mwedzi wapfuura munzvimbo yeChinhoyi yeRuvimbo anonzi akabiwa nguva dzekuma1 nevanhu vasina kuzivikanwa apo amai vake vanonzi vakaperekedza mushanyi.
Sekutaura kwaAssistant Commissioner Nyathi, pakudzoka kumba, amai vemwana vakaudzwa nevanin’ina vake vaviri kuti murume asina kuzivikanwa akapinda nechisimba mumba ndokuenda nemwana.
Pabuda nyaya iya pa TV pane vanhu vauya pano vachiti handei munotora mwana wenyu kana mune Simba rekufamba nekuti ariko.
Shamwari yaMai Nyanhete, Mai Raidah Kashamba, vati vazhinji vemaporofita nen’anga vakabvunzwa vanoti mwana achiri mupenyu asi havasi kuda kubatsira kudzamara vabhadhara imwe mari inotangira paUS $ 40 kusvika paUS $ 70.
Thank you mkoma Kolae for giving us news
LikeLike