Vabereki vaviri vakaenda KuDare Mushure meKupisa Maoko Emwanasikana wavo Pachitofu Vachimurangwa.

Vaviri ava vanogara kuMufakose, nezuro vakaendeswa kudare mushure mekunge vapisa maoko emwanasikana wavo pachitofu senzira yekuranga.

Vaviri ava Luwini Ngoni Rugova 37 nemurume wake Freddy Katandika 32,
Mutongi Taruvinga akavanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso uye akavaisa muchitokisi.

Mhosva yakapisirwa mwana uyu maoko ndeyekubata foni yamukoma vababa vake.

Katandika akatora tsvimbo ndokurova mwanasikana wake muviri wake wese ndokumanikidza kuisa maoko ake pachoto chinopisa uye mushure mechiitiko ichi akamuita kuti aende kunorara.

Rugova haana kuzombotsvagira mwana wake mushonga kana kurapwa uye mwana akazoshandisa munyu panga pakatsva akabva apamonera).

Vakasungwa Mushure mekutaurirwa nevavakidzani vavo.