Murume wekuBudiro akazviuraya nemusi weChipiri masikati mushure mekubatwa ari HIV positive.

Murume ane makore makumi matatu nemaviri ekuberekwa anonzi Simbarashe uye akaroora vakadzi vaviri aive nemukurumbira wwkuchinja mari paCentral Shopping Centre muBudiriro.

Takawana mukana wekutaura nemudzimai wemushakabvu uyo akati murume wake haana kugamuchira maresults aya.

“Nezuro murume wangu akauya nemaresults aitaridza kuti ava nechirwere cheHIV.

“Akange asina kugadzikana uye zvinoita sekunge anga asiri kubvuma chimiro ichi.

“Akaroora mumwe mukadzi mwedzi mishoma yadarika kwaakange achigara uye ndiko kwange kuchiperera nguva yake zhinji.

“Nhasi kuma1 mangwanani amuka achiti ari kuda kuzviuraya.” Ndaedza kumumisa asi akazobuda mumba achiverevedza, “

“Kuma 5am ndakasheedzwa kuti murume wangu Simba afa,” vakadaro Mai Makanaka vanova mudzimai wekutanga.

Shamwari yake inozivikanwa saTafadzwa akati mushakabvu haana chaakataura nezvenyaya iyi.