Ambuya vane makore 78 okuberekwa vanobva kuPaul Roux muFree State vakabatwa chibharo nekupiswa zveutsinye neMuvhuro, 12 Chikunguru kuEngo Skemervreugde service centre.

Zvinonzi nemusi weMuvhuro manheru musungwa ane makore makumi matatu nemasere akasvetuka ruzhowa rwepamusha paambuya ava ndokupaza gonhi ravo kwakuvabata chibharo zvakaomarara.

Sekutaura kwemutauriri wemapurisa,
zvinonzi nemusi weChipiri mangwanani mupomeri akaonekwa achisvetuka fenzi achitiza kubva panzvimbo iyi. Akateverwa akazoguma abatwa ndokuendeswa mumaoko emapurisa, ”Dlamini akadaro.

Dlamini akatsinhira kuti gogo vakabatwa chibharo zvakaipisisa uye vakapiswa zveutsinye uye vakafira kuchipatara cheDihlabeng kuBethlehem neChitatu, 14 Chikunguru.