Moto usinganzwisisike wakapisa dzimba dzinodarika 30 mumusha wevagari, veku Ledbury Farm kuMatepatepa kuBindura.
Mukushayikwa kwetsananguro yakasimba, mukushayikwa kwehuchapupu hwakadzama vagari vemumisha iyi vava kunongedzana zvigunwe vachiti zvakonzereswa nanhingi anoita zvokuroya.
Vagari vemunharaunda iyi vapererwa nechiitiko ichi, vava kutsvaga rubatsiro rokuti vaudzwe zvakakodzeresa moto kubva kuvaporofita kusvika kune zvemashiripiti uye kuna Mwari, asi hapana kanachokwadi chirikubudapo.
Vanhu vomunharaunda iyi vava nokutenda kuti panemumwe wavo arikushandisa Sandawana, goblin chikwambo kutungidza moto uyu.
Kubvira zvakatanga moto uyu musi wa27 Chikumi kukomboni yeTorero kubvira ipapo, vakadzi nevana vachiri kurara panze vachitya kuti dzimba dzakasara dzakapfirirwa nehuswa dzinogona kubata moto uyu ivo vakarara mukati vakafiramo.
Vamwe vevagari vapererwa zvekuti vave kufunga kubvisa huswa hwacho padzimba dzavo kuchengetedza pfuma yavo.
Zvirikunzi moto uyu, unotangira kumusoro uchidzika zvokuti imba yose inobva yangoputirwa nomoto wacho zvobva zvavashaisa mukana wekubvisa zvinhu zvavo zvakakosha.
VaEarnest Chasvika vakati, “Tine makomponi matatu kupurazi iri asi hatina kuona chiitiko chakadai. Nekudaro, iyi nharaunda ine vanhu vanobva kwakasiyana mamiriro etsika dzavo anonetsa kunzwisisika. — Herald
Moto Usinatsarukano Wapisa Misha Inosvika 30
