Vanhu vanogara vachitsvaga kuti njuzu chiii?

Nyaya dzine chekuita nemashavi enjuzu dzagara dzinonetsa kunzwisisa. Vamwe vanoti njuzu munhu ane besu serehove uye kana munhu akatorwa nenjuzu, hama dzake hadzifanirwe kumuchema kuitira kuti adzoke kubva pasi pemvura ari mupenyu apo vanenge vachiita chivanhu. Zvinonzi munhu ane shavi renjuzu anorapa uye anopota achimbodzokera “kunyika” iri pasi pemvura kunopangwa mashandiro. Mazuva ano kwava nezvikwata zvevanhu vakawanda vanozviti “manjuzu”. Yeukai kuti hakusati kwava nemushonga unorapa HIV neAIDS sekutaura kuri kuitwa munyaya ino. Ngatinzwei zvakawanda . . .