Varairidzi vatatu vepaMwenezi vari kudhimanda mapfupa embavha kuti afukunurwe mushure mokubirwa midziyo inokosha R50 000 uye akavigwa nazvo.

Vatatu vanoti Taurai Sithole, Caroline Mlambo uye Lamedy Mtavire vanobva kuDinhe Primary School pasi paChief Neshuro vanoti dzimba dzavo dzakabiwa zvinhu zvose kusara dzisina chinhu nokuda kwaTarisai Chihisani wekwaMashavele village kubva pakavharwa zvikoro muna March gore rino uye vakatozoziva kuti ndiye mushure mokuvigwa kwake nemidziyo yavo.

Pakavigwa Tarisai vamwe vakabirwa vakaona magumbeze avo aive avigwa nawo.Sithole achitaura anoti akupushiridza kuti zvisaririra  zvaChibisani zvifukunurwe kuti vakwanise kutora midziyo yavo yaakavigwa nayo.

Takarasikirwa nemidziyo inokosha R50 000 uye parizvino takwanisa kudzosa midziyo inokosha R15000, anodari Sithole.

Sithole akati maruva aive paguva raChihisani aive akamaba kukicheni uye sezvo zvakadai nyaya yakaendeswa kumatare emusha.