Mukadzi aive akazvitakura akakuvara zvakaomarara mumusoro uye mavanga mumuviri wose mushure mokudonha kubva mumotokari kwakudonhera panze apo murume wake aimhanyisa motokari zvakaomarara.
Chiitiko ichi chakaitika musi weChipiri svondo rapfuura kuNkulumane suburb apo Irene Timera (22) ainetsera murume wake,Pride Takawira (22) mari yematernity,sosi inodaro..
Nyaya yakakora muto kusvika paakuchinjana mashoko nokuda kwemari yaive padashboard.Mukunetsana kwevaviri ava Pride akatanga kufambisa motokari,asi mukadzi wake aiita nharo negonhi remotokari.
Pride aityaira motokari zvakaomarara apo mukadzi wake aive akamira pagonhi.Akazoruza control kwakudonha uye akakuvara.