Murume aive ashanya kumba kweshamwari yake nomudzimai wake vakakonzera hovhiyo kumba uku apo akatanga kurova mudzimai wake nenyaya isina kuzivikanwa akabayazve mununuri.
Dhirama iri rakaitika neSvondo kuma8 manheru muBulawwyo Hillcrest suburb kwemaminitsi gumi nemashanu.
Sosi inoti Anorld Chiturumani (31) paaive ave pagedhe kuenda kumba nemudzimai wake Shannaz Chiketa (29) ,Akem Manyika (40) akanzwa ruzha rwokuchema akamhanya kunoona zvaitora nzvimbo.
Akawana Chiketa achichema,uye paakabvunza kuti aichemei,akataura kuti Chiturumani aive amurova nenyaya isina kutaurwa.Manyika akataura nevaviri ava kuti vasiye zvavaiita achibva adzokera kunorara.
Pachangopera maminitsi mashoma,Manyika akanzwa kuchema kukuru akadzokerazve akawana Chiturumani achirova mudzimai wake.Chiturumani akapushidzira Manyika kure nehasha.
Chiturumani anobuditsa banga muhomwe yake kwakubaya Manyika pachigunwe.Akamuyambira kuti asapindire panyaya iyi sezvo aizomuuraya.
Manyika akaripota nyaya iyi kumapurisa kuHillside zvakatungamira mukusungwa kwaChiturumani.