Mukomana waLora, Senthumule paakaona basa, akafara achiti vachawana mari yekutenga zvokudya zvemwana wavo mukomana ane mwedzi(18).

Kufara kwese kwakapera, Lora (18) akairaiwa kuHa-Ramukhuba village nemurume wake akamuuraira R100 yaainge ashandira.

Mukomana uyu (26) akatora banga akabaya Lora kusvikira atandadza.

Sekuru vake Petrus Maselese vanoti mhuri iyi yaive isina mufaro nekuti mukomana aida mumwe mwana nokuti aive asiri baba vemwana aripo.

“Paakasangana naLora muna 2019 aive nenhumbu haive nemwedzi (7) asi vakangodanana.

“Paakzvara mwana wake, aigara achinetsa Lora achiti arikuda mwana wake kubva kwaari.

“Vakati vaisakwanisa kuchengeta mwana aivepo nenyaya yekushaya mabasa nemari.

Mukomana waLora akanzwa hasha mushure mekunge Lora akatora mari R100 yaainge ashandira akatengera mwana zvinhu zvokudya.

“Vaigara vese asi vaive ma-lodger, taisaziva kuti ndiko kwai nyaya yekuuraya mwana wedu.

Petrus anoti haana kukwanisa kugamuchira maurairwo aakaitwa, ropa raive rakazara muimba yese, izvi zvakaratidza kuti akaramba achimubaya nebanga.

Mutauriri weLimpopo NPA Mashudu Malabi-Dzangi vanoti mhondi Maanda Maeba akanomira pamberi pamagistrate, mukomana uyu akazviendesa ega kumapurisa.

Mukomana uyu paakadzokera mumatare, akaudzwa kuti adzokera musiwa 23 August.