Vatenderi 4 vechechi yepositori – vachibva kumunamato wehusiku hwese – vakafa mushure mekunge mota yavaifamba nayo yakapidiguka kakawanda mugomo reBuchwa kuMberengwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanodaro.
Vakafa ndiCasper Bangure (40), Joyful Mhlanga (39), Miriam Mhaka (15) naPamela Ngonidzashe (31), vese vari nhengo dzeZion Apostolic Church.
“Pavakasvika pamakomo eBuchwa kuMberengwa injini yemotokari yakamira,” akadaro Inspector Mahoko.
Vakati mota yakapidiguka kanoverengeka ichidzika isati yamira nemavhiri ayo painge pakareba 200 metres.
“Vese vaive mukati vakakandwa kunze kwemotokari ndokufira ipapo”.
“Mitumbi yakaendeswa kuZvishavane District Hospital Mortuary yakamirira kuongororwa,” akadaro Inspector Mahoko.
Inspector Mahoko vakati vatyairi vanokurudzirwa kuti vaone kuti motokari dzavo dzakakodzera here kufamba pamakomo vasati vatyaira.
“Vanofanirwa zvakare kudzivirira kuzviisa panjodzi nekufamba munzira dzisingachashandiswe uye dzine njodzi,” akadaro.