Mwana wokurohwa zvakaipisisa navaTete vake kunzvimbo ye Glendale kuma new stands kunonzi kuRujeko Matangira house number 1329, zvirikyunzi mwana abva atorwa namapurisa akaiswa ku child care uko kwaakachengetedzwa kubva muruoko rwakashata.

Pavideo irikutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group parikuonekwa vaTete vomwana uyu vachitaura vachiti zvose zvirikutenderedzwa pama WhatsApp hapana chandirikuziva uye video yacho handisini ndirikyubudapo.

Vagari vomunzvimbo iyi varikuti amai ava varikuda kungoramba zvavo zvinhu zviripachena, vanogara vachirova mwana uyu nokumushungurudza zviripachena zvinotozivikanwa nevanhu vose vomunharaunda iyi.

Parikunzi video iyi haisi yomuZimbambwe asi parikunzwika kuti ‘Nyarara’.

Ngationei video iyi tofananidza mukadzi uya wokurova mwana neuyu arikutaura pano. Zvirikunzi mwana anemakore 5 kwete 7 aya atakambonzwa. Mwana uyu akashaikirwa nababa vake, Amai vake vakamusiira vatete vake hanzvadzi yababa vake, mwana anonzi Shakeman Mugwali vatete vano rova mwana zvokumutsemura musoro vachimupunzira pasi sedamba everyday nekunyima chekudya kutaura kuda zvirikunzi akatotyoka ruoko.