Mukadzi akabatwa chibharo nevarume vaviri mushure mekunge vamupa lift mumotokari isina kunyoreswa yeToyota Wish.

Pa peji ravo re twitter mapurisa akasimbisa chiitiko ichi chakaitika muna Nyamavhuvhu 13.

“Musi wa13 Nyamavhuvhu mukadzi wemuHarare (23) akabatwa chibharo nevarume vaviri mushure mekunge akwira mota isina kumakwa yeToyota Wish ine vanhu vatatu vaivemo kusanganisira mumwe mukadzi wemuWesthood Drive.Vasungwa vacho vakamubirawo US $ 6 uye nharembozha yeTecno. ZRP inotizve veruzhinji vanofanirwa kunzvenga kukwira mota dzemushikashashika, ”akadaro mapurisa.