Mumwe munhu anozviti muporofita ari kumhanya achipomerwa mhosva yekubata chibaro mumwe musikana ane makore 16.

Madzibaba Stepnage wekuArt Farm kuMt Pleasant, anonzi akarora musikana uyu apo aigara nemhuri yake. Vanonzi vaive vachiitisa misangano yechechi pamba pevabereki vemusikana uyu kubva pakutanga kwemwedzi uno. Vakakwezvera musikana uyu kunzvimbo yakavanda pakati pehusiku ndokumubata.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti musikana uyu akaendeswa kuParirenyatwa kunoongororwa naana chiremba.

Muporofita uyu anonzi aive agara pamba apa kwenguva yakareba uye pavaibva kuADMA kuAgricultural show iyo yaive irikure kubva pamba kwemakilometer anosvika 3. Musikana uyu anoti paakakumbirwa nemuporofita uyu kuti amuperekedze kunotora nharembozha yake iye akabvuma, vaakunosvika pamba muporofita uyu anonzi akabva achinja nzira ndokumuendesa kunzvimbo yaive isina vanhu.

Pavakasvika panzvimbo iyi muporofita anonzi akabva abata mwana uyu ndookuita bonde naye pasina chibvumirano, musikana uyu ndikuzonoudza mumwe akamuraira kuti anomhn’ara kumapurisa.