VADZIDZI vana vepaUniversity of Zimbabwe (UZ) vanga vari muhusungwa kubva neChishanu vachipomerwa mhosva yekuparadza midziyo pakati peguta reHarare, vacharamba vari mujere mushure mekunge chikumbiro chavo chekubhadhara mari yechibatiso chasendekwa parutivi.
Emmanuel Sitima, 24, Comfort Mpofu, 22, Tawanda Watadza, 24 naLionel Wadamombe – makore asina kupihwa – vakatanga vamiswa pamberi pemutongi wedare ramejasitiriti wemuHarare Learnmore Mapiye vachipomerwa mhosva nomwe dzekuparadza midziyo kana kuti dzimwe nyaya dzemhirizhonga.
Nyaya iyi yakazoendeswa mberi nezuro, asi Hurumende ichimiririrwa naTariro Janhi yakaisa chikumbiro chekuti imbosendekwa parutivi sezvo mufakazi wavo, mupurisa ari kuferefeta, akange asipo.
Chikumbiro Chekubhadhara Mari Yechibatiso Chevadzidzi vepaUZ Chinobhosendekwa Parutivi
