Hona video ramaisirwa paJolas’WhatsApp Group remuimbi, Paradzai Mesi uyo akambobatwa achiba muchitoro akadhakwa, akazonwirwa nyasha kwave kutanga kuchengetwa ndokurojerwa imba nemumwe muimbi anonzi Mudiwa Hood, achitaura zvinhu zvinosvota.
Paradzai Mesi atsidza kuti haafe akaregera kunwa doro kunze kwekuti vanoribika varegedza. Ati iye kuti izvi zviitike hunge aitwa Minister wezvidhakwa.
“Handife Ndakasiya Doro, Imi Ndimi Mungatovharisa Mabhawa Enyu” -Paradzai Mesi
