SANGANO reTraditional Medical Practitioners Council Zimbabwe (TMPCZ) royambira varapi vechivanhu kuti vasauraye magora vachishandisa pakurapa sezvo shiri iyi yakakosha mukufambiswa kwezviwanikwa munyika uye mukucheneswa kwenharaunda.

Izvi zvinouya apo vamwe vanozviti maporofita nen’anga vanonzi vanoshandisa misoro yemagora kuporofita nekufembera sezvo shiri, kana dziri mhenyu, dzine njere dzakapinza uye kuona nekunhuhwidza kwadzo kuri pakati pezvisikwa zvinonzi zvakangwarira.