Pavideo ririkutenderedzwa muJolas Whatsapp group, mkoma Gangu votaura kuti zvakaitwa nemutungamiri wenyika hazvina kunaka zvachose, nekuti varume vakuru vanemakore 65 okuberekwa avo vaive vapinda mujeri nemhosva dzekubata chibaro vana vanemakore 9 ekuberekwa uye vakagara mujeri kwegore panekuti vatongerwe kugara kwenguva yakareba vakaburitsva.

Vaenderera mberi vachiti varwiri vezvematongerwo enyika vakaita sana Job Sikhala naNgarivhume vasina chavakatadza vachirimujeri.

Vawedzerawo vachiti mutungamiri wenyika VaMnangagwa munhu anonhozvifunga iye pachake asiri kufungirawo vanhu vaanotungamirira.

Kuti unzwe zvizere pinda muJolas uhone video racho.