MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kuferefeta nyaya yevana vaviri vemakore 7 okuberekwa vekwaBesa, kwaMutasa, kuManicaland, avo vakashaikwa kuchikoro nemusi weChipiri svondo rino, ndokuzowanikwa vakapondwa, mitumbi yavo yakakandwa muchimbuzi chiri pane mumwe musha wava dongo.

Vana vakauraiwa ava ndiMelisa Benza (7) naDelan Benza (7) avo vaidzidza paSt Robert Mbasa Primary School, kwaMutasa. Vanonzi vakawanikwa vakachekwa mitsipa.