Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuchikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID) vanozivisa nezvekusungwa kwevanhu vaviri vemuguta reHarare avo vanga vachibira vanhu mari nehukopokopo vachivavimbisa kuti vanovawanisa magwaro ekufambisa neekuzvarwa nenguva pfupi.

Vakasungwa ndiOnward Ruka (41) wepanumber 2007 Egypt, kuHighfield naRumbidzai Kawondera (38) wepa130 Mhlanga Avenue, kuMbare, uye vari kupomerwa kutyora chikamu chemutemo cheSection 136 Criminal Law (Codification And Reform Act Chapter 9:23).

Mutauriri wemapurisa eCID, Detective Inspector Portia Chinho, vanoti vaviri avo vasingashande vakasungwa nemusi wa29 Chikumi uye vari kupomerwa mhosva dzekubira vanhu nehukopokopo.

“Mhosva dzevaviri ava dzinobvira kubva mumwedzi waGunyana 2020 kusvika Kubvumbi wemugore rino.

Vaviri ava vanonzi vaibira vanhu mari vachizviti vashandi vekumahofisi anopa zvitupa ekwaRegistrar General kunotorwa magwaro ekuzvarwa neekufambisa, vachiti vaizoita kuti zvikurumidze kubuda,” vanodaro Det Insp Chinho.

Munyaya idzi kune yakaitika mumwedzi waGunyana 2020, vaviri ava vanonzi vakaenda kune mumwe mudzimai vakamuti vaikwanisa kumugadzirira gwaro rekuzvarwa nerekufambisa nekukurumidza izvo aida.

“Vaviri ava vakati vaida US$340 apo mudzimai uyu anova mumhan’ari akatanga kubhadhara US$240-00, asi paakazoda kuti vachimupa magwaro aya, vaviri ava vakatanga kutiza-tiza zvikazoita kuti amhan’are kumapurisa,” vanodaro Det Insp Chinho.

Vanoti mune imwe nyaya zvakare iyo yakaitika mumwedzi waZvita 2020, mumwewo akabhadhariswa US$500 avimbiswa kuti gwaro rake rekufambisa raizobuda mushure memazuva matatu.

Det Insp Chinho vanoti gwaro rekufambisa iri harina kuzowanikwa sekuvimbiswa uko munhu uyu akanga aitwa, pamusoro pezvo akazopihwa gwaro rekufambisa remanyepo raiva nezuva rekuti akaripihwa mugore ra2013 zvikaita kuti munhu uyu anyumwe ndokutanga kunetsana navo achiti aida kudzoserwa mari yake.

“Vaviri ava vakavimbisa kuzopa munhu uyu rimwe gwaro rekufambisa izvo zvisina kuzoitika ivo ndokutanga kutiza-tiza. Mumwedzi waNdira gore rino, vaviri ava vakazobira zvakare vamwe vanhu vaviri mari inokwana US$1 392 yavaida kushandisa kunotora mamwe magwaro matsva ekufambisa mana apo ekudhara akanga apera nemaVISA ekunodzidza,” vanodaro Det Insp Chinho.

Manhu ava vanonzi haana kuzombowana magwao ekufambisa acho nyaya ichibva yaendeswa kumapurisa, zvikazoita kuti vaviri ava vasungwe nemusi wa3 Chivabvu gore rino vachibva vanorakidza mapurisa computer yavanoshandisa kugadzira magwaro echitsotsi.

“Pane zvimwe zvakazowanikwa nemapurisa zvinosanganisa magwaro edzidzo echitsotsi nemamwe akasiyana. Tinokurudzira veruzhinji kuti kana vachida magwaro akadaro vaende kumahofisi chaiko kunotorwa magwaro aya kwete kutaura nevanhu mumigwagwa,” vanodaro Det Insp Chinho.

Vanoyambira kuti vanhu ivava vanoguma vava kusungwa nenyaya dzekuva nemagwaro emanyepo sezvo iri mhosva kuva nemapepa emanyepo.