Vatengesi vekuMbare Musika varikupiwa mhosva yekuparadza local currency yeZimbabwe dollar.
Chivi North legislator Tongofa vakati sezvo $50 yamo, vanhu vakuramba $10 semari isina basa.
Tongofa akataura muNational Assembly kuti vanhu vakuti pakauya mari hombe vakuramba dzaivepo kare vachida dzinenge dzavepo.
Reserve Bank of Zimbabwe neMinistry of Finance vakaunza 50 bond nyowani kune vanoita zvamabusiness nemabuyers.
Anoti anoda kuziva kuti voita sei nevanhu vanoti pakauya mari hombe vanoramba diki yanga iripo kare se$10 dollar.
Vakamboramba ma$5 bond note izvi zvakatangira muHarare.
Mari ye 10 dollar note yakutorambwa nevanhu, yakutorambwa mumusika, anoshamisika kuti vanhu ava vanenge vachiitei.
Nyaya iyi yakatangira kumbare, ndikwo kwazvinototangira zvekuramba mari.
National Assembly Speaker Jacob Mudenda akaudza Tongofa kuti abvunze Minister of Finance Mthuli Ncube munguva dzekubvunzana mibvunzo yakasiyana-siyana asi Ncube asiveko musiwacho.
Mbare irikukuvadza Zimbabwe Dollar-MP
