COMEDIENNE Felistas Murata, uyo anozivikanwa nezita rekuti Mai TT, uyo ari kutongwa pari zvino achipomerwa mhosva yekuba zvinhu zvekuvimbwa nazvo, akaramba kuti akaisa motokari yekuhire sechibatiso.
Pakatanga nyaya yake kumutongi wedare ramejasitiriti muHarare, Munashe Chibanda, Mai TT akaudza dare kuti akapa Rachel Mhuka mota yeAudi Q5 kuti aichengete kwete sechibatiso.
“Rachel akandipa US$10 000. Panguva iyoyo ndakanga ndisingashandisi Q5 sezvo ndakanga ndatotengesa motokari dzangu. Ndakanga ndine Mercedes Benz iya uye akati aizondipa mari iyoyo uye akandiudza kuti ndaifanira kumupa chimwe chinhu sechibatiso…”
Mai Titi Voramba Mhosva Yavari Kupomerwa
