MAPURISA atanga chirongwa chekurwisa vanhu vanotengeserana mari yekunze kwenyika zvisiri pamutemo, apo vakuru vehurumende vari kuyedza kumisa dambudziko remitengo munyika.
Izvi zviri kuitika pakati pezvikumbiro zviri kuramba zvichikura zvekuti vakuru vakuru vehurumende vataurirane nevese vane chekuita nenyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.
Mutauriri wemapurisa munyika, VaPaul Nyathi, vakatsinhira kubepanhau reDaily News kuti mapurisa akabatana nevakuru vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) kuti vasunge vanotengesa mari yekunze zvisiri pamutemo.
Mapurisa Anotanga Chirongwa Chekurwisa maMoney Changers Ose Asiri Pamutemo
